Afurika ndiro ziwumbe riri pachinzvimbo chechipiri pakukura uye pahuwandu hwe vagari mushure meEzhiya. Unda we Afurika hwakakura kusvika maskweya emakiromita mamiriyoni emakumimatanhatu-nekeripiri (30.2 km²), izvi zvichisanganisira zvitsuwa zviri pedyo nayo. Chikamu chinosvika chimuzana wechitanhatu (6%) cheunda we Rinopasi chinotorwa ne ziwumbe re Afurika uye chikamu chinosvika chimuzana chemakumimaviri-nekerina (20.4%) cheivhu chiri muAfurika.
Tarachisi ye Afurika inorakidza kuti yakapoteredzwa ne Bhahari re Medhiteraniya kumaodzanyemba; Gungwa re India kumabvazuva nekuchamhembe; ne Gungwa re Atlandiki kumadokero nekuchamhembe. Nyika ye Matagadzikwa chitsuwa chikuru chinoverengerwa sekuva mudunhu re Afurika. Zvimwe zvitsuwa zvinosanganisira: Seyisheri; Morishasi; Kabho Vherite; Ghini Yomutsazanisi; Chitsuwa cha Robheni; Zanzibhari nezvimwewo zvidiki.
Huwandu hwevagari we Afurika unoverengerwa kusvika kumabhiriyoni maviri (zvichienderana negore raZvuruzviviri neguminetanhatu [2016]), pamusoro pezvo vuzhinji hwe huwandu uhwu ndewe vanhu vegandadema.
Vanhu vekuYuropu vakapamba Afurika muzanagore rechiguminepfumbamwe; pakazozvika kuguma kwe zanagore remakumimaviri Afurika yose yakange yawana rusununguko. Ghana ndiyo yakatanga kuwana rusununguko mugore ra1957, Namibhiya ichive yakazopedzisira mugore ra1990.