Fodya (tobacco) idzinde rinorimwa rinokura mashizha mahombe anokohwehwa achinotengeswa. Fodya inoshandiswa kugadzira mudzanga unoputwa nevanoputa. Imwe fodya inoshandiswa kugadzira mishonga yakasiyanasiyana inokororwa kubva mushizha refodya.
MuZimbabwe fodya chirimwa chinounza mari yakawanda yekunze kwenyika; fodya yemuZimbabwe inotengeswa kuAsia, Europe neNorth America.
Chigusvani kana chitsitsi zvinoreva icho chinosarira kana mudzanga wefodya wapera kuputwa, watsva pose pane shizha refodya.