Harare | |||
---|---|---|---|
City | |||
| |||
Motto: Pamberi Nekushandira Vanhu | |||
| |||
Coordinates: 17°49′37″S 31°02′51″E / 17.82694°S 31.04750°E | |||
Country | Zimbabwe | ||
Province | Harare | ||
Fort Salisbury | 1890 | ||
Incorporated (city) | 1935 | ||
Renamed to Harare | 1982 | ||
Government | |||
• Mayor | Bernard Manyenyeni[1] | ||
Area | |||
• Total | 960.6 km2 (370.9 sq mi) | ||
Elevation | 1,490 m (4,890 ft) | ||
Population (2009) | |||
• Total | 1,606,000 | ||
• Density | 2,540/km2 (4,330/sq mi) | ||
Time zone | CAT (UTC+2) | ||
Area code(s) | 4 | ||
Website | http://www.hararecity.co.zw | ||
Dialing code 4 (or 04 from within Zimbabwe) |
Harare ndiro guta guru reZimbabwe. Guta reHarare riri paMbariro yeTaranyika 17°51′50″S uye pamutambariko weTaranyika 31°1′47″E. Zvinofungirwa kuti muguta reHarare chaimo mune vanhu 1,606,000 (2009), pachiva nevanhu 2,800,000 (2006) mumetropolitan area yayo. Mukutongwa, guta reHarare rinovawo guta rinozvitonga rinofananidzwa nedunhu. Harare ndiro guta rakakurisa muZimbabwe yose. Muguta umu munotengeswa nokutengwa zvinhu zvakaita sefodya, chibage, donje nemichero unonzi pachirungu, macitrus fruits. Hushangazhi hurimo hunosanganisira zvesimbi, machira nemakemikari (chemicals). Munharawunda yeguta munocherwa goridhe.
MuHarare ndimo munowanikwa Yunivhesiti yeZimbabwe, inova iyo yunivhesiti huru zvakanyanya munyika yeZimbabwe. Yunivhesiti yeZimbabwe inowanikwa mumusha weMt Pleasant, unovawo makiromita matanhatu kubva pakati peguta. Guta iri rine misha yakawanda, mimwe yacho inochengeta mazita ayakapihwa munguva yekutongwa kwevarungu, yakaita seWarren Park, Borrowdale, Eastlea, Highfields nemimwewo. Guta reHarare rinova nenhandare yendege inonzi Harare International Airport.