Our website is made possible by displaying online advertisements to our visitors.
Please consider supporting us by disabling your ad blocker.

Responsive image


Hurungwe

Hurungwe idunhu rinowanikwa kumadokero kweMashonaland West. Kuchamhembe kune Dhamu reKariba nemasango anochengetwa mhuka. Guta guru remuHurungwe rinonzi Karoi rine chinhambwe chinosvika makiromita mazana maviri nenzira ekubva muguta reHarare. Uhwandu wevanhu vemudunhu reHurungwe unosvika pa300,000.

Mugore 1945 Hurungwe yakava nzvimbo yakapiwa kunyanya varungu vari varwi vehondo yepasi rose yechipiri vakawana rubatsiro kubva kuhurumende kuti vatange zvekurima fodya.

Mamwe madhorobha (growthpoints) anoti Magunje .

MaWards edunhu reHurungwe anoti: Chemusimbe, Chidamoyo, Chiroti/Fulechi, Chisape, Chundu, Dandahwa, Kanyati, Kapfunde, Kapiri, Karereshi, Karoi, Karuru, Kazangarare, Mukakatanwa, Makuti & Charara, Mahwada, Masanga, Matau, Mudzimu, Muzilawembe, Nyama, Nyamhunga, Piriviri, Pote I, Pote II, Pote III, Ward 6 (Maumbe), Ward 7 (Chanetsa), Zvipani;

Dzisina kuongororwa: Mana Pools National Park, Chewore Safaria Area, Hurungwe Safari Area, Sapi Safari Area


Previous Page Next Page






Hurungwe District CEB Urungwe German Karoi District English Hurungwe Portuguese 烏倫圭區 Chinese Karoi District ZU

Responsive image

Responsive image