Husvinu (quality in English) zvinotaura kuti chinhu chinosvika pakururama kunodiwa here. Husvinu hunopimwa maererano nezvakabvumiranwa pakati pemutengi nemutengesi.
Ngatitii mutengi ati anoda chingwa chine huremu hunodarika 750gram. Pazvingwa zana kana makumi manomwe echingwa chikaita huremu honosvika 750gram kureva kuti 80% yechingwa chasvika pahusvinu huri kudiwa. Chingwa ichi chasvika patingati panogamuchirika takatarisana nehusvinu kana kururama kwacho.
Apa papihwa muenzaniso mumwe wechinhu chingapimwa kana kuchitariswa husvinu. Vamwe vangada kupima husvinu hwesimbi yabva mukunatswa vachishandisa hunatswi kana kuti kuchena kwakaita simbi iyi. Sokuti copper yakanatswa kusvika pa 99.9% ine hunatswi hwemhando yepamusoro kudarika ine 97% copper.