Malawi, kana Maravi (kana futi Malavi, kureva Murazvo paChishona) pachihofisi ichinzi Rudhende rwe Malawi, inyika yakakomberedzwa iri kuChamhembechemabvazuva kwe Afurika uye yaichimbodanwa kunzi Nyasaland. Nyika dzakaikomberedza ndedzinoti: Zambia iri kuMaodzanyembaemadokero; Tanzania iri kuMaodzanyembaemabvazuva; ne Mazambuko iribata kumabvazuva, kuchamhembe nekumadokero. Ruwa rwe Malawi rwunodarika 118,000 skweya dzekiromita, uye ine hugari hwe vanhu vaisvika 16,777,547 (muna 2013). Gutaguru reMalawi rinonzi Lilongwe; rechipiri pakukura rinonzi Blantyre, rechitatu iMzuzu.
Vanhu vekuMalawi vanonzi Vamalawi, uye munhu mumwechete anonzni Mumalawi/Mmalawi.