Rwizi Zambezi irwizi rwunoyerera kubva kuZambia, rwopinda muAnghola, rwuchizotevedza muganhu weNamibhiya, Zambia, Zimbabwe ne Vutswana, pedzezvo rwopinda kuMzambuko uko rinonodira mu Gungwa re India.
Kuno kuChamhembe kwe Afurika, Zambezi ndiro rwizi rwukuru rwakareba 3,540km, parwizi urwu ndipo panowanikwa mapopomo anonzi Vutsi-vuno-tinha (kureva Mapopomo eVhikitoriya) ari pamuganhu panosangana Zimbabwe, Zambia, Namibhiya ne Vutswana. Mamwe mapopoma ari parwizi Zambezi anosanganisira: Mapopomo eChavuma iri pamuganhu weAnghola neZambia; Mapopomo eNgonye ne Mapopomo eSioma kuMadokero kwe Zambia.
Zambezi rine magwenya makuru emagetsi maviri ari paDhamu ra Kariva ne Dhamu ra Kabora Basa (kureva Cabora Bassa). Pane rimwe gwenya diki pa Vusi-vuno-tinha.
Rwizi Zambezi rune dzimwe nzvimbo dzine machiti - rapids.