Chapuku, sinuu (kureva snow; kana futi ritwa, rithlwa kubva kumimwe mitauro ye Chibantu) kana sinowo[1] kutora izwi reChingezi ne Chibhunu. Muchidzidzo cheTaranyika, sinowo imhando yekuturuka kwemvura inoitika munzvimbo dzinotonhora zvakanyanya. Sinowo zhinji inonaya kunyika dzinotonhora dziri kuYuropu (Rhashiya, Vukireni), Ezhiya, neAmerika Maodzanyemba. Mazaya echando anowanikwawo munzvimbo dzakakwirira zvakanyanya segomo reKilimanjaro kuKenya nekumakomo makuru ari kuChile kuAmerika Chamhembe.
Kazhinji sinowo inoturuka kana kuri kutonhora zviri pa 0 Celsius zvichidzika, panova ndipo panogwamba mvura kuita magodo echando. Sinowo yakareruka pahuremu uye painoungana inosiya tuhomwe twemhepo pakati payo tunova tunoita kuti isarema. Munyika dzinotonhora, kune mhuka dzinohwanda musinowo kana chando chasvika izvi zvichidzivirira kutonhorwa nechando kwakanyanya. Mhuka dzakita setsuro neshiri dzinonzi Ptarmigan dzinofukura zvipako zvokuhwanda musinowo; apa sinowo inenge iri kuita semashe ichishanda kudzivira chando zvinoita iye inonzi insulation kuChingezi. Mhuka yakahwanda musinowo inodzivirira chando kupfuura iyo iri pamhene inorohwa nemhepo inovhuvhuta.