Our website is made possible by displaying online advertisements to our visitors.
Please consider supporting us by disabling your ad blocker.

Responsive image


Sinowo

Sinowo

Chapuku, sinuu (kureva snow; kana futi ritwa, rithlwa kubva kumimwe mitauro ye Chibantu) kana sinowo[1] kutora izwi reChingezi ne Chibhunu. Muchidzidzo cheTaranyika, sinowo imhando yekuturuka kwemvura inoitika munzvimbo dzinotonhora zvakanyanya. Sinowo zhinji inonaya kunyika dzinotonhora dziri kuYuropu (Rhashiya, Vukireni), Ezhiya, neAmerika Maodzanyemba. Mazaya echando anowanikwawo munzvimbo dzakakwirira zvakanyanya segomo reKilimanjaro kuKenya nekumakomo makuru ari kuChile kuAmerika Chamhembe.

Kazhinji sinowo inoturuka kana kuri kutonhora zviri pa 0 Celsius zvichidzika, panova ndipo panogwamba mvura kuita magodo echando. Sinowo yakareruka pahuremu uye painoungana inosiya tuhomwe twemhepo pakati payo tunova tunoita kuti isarema. Munyika dzinotonhora, kune mhuka dzinohwanda musinowo kana chando chasvika izvi zvichidzivirira kutonhorwa nechando kwakanyanya. Mhuka dzakita setsuro neshiri dzinonzi Ptarmigan dzinofukura zvipako zvokuhwanda musinowo; apa sinowo inenge iri kuita semashe ichishanda kudzivira chando zvinoita iye inonzi insulation kuChingezi. Mhuka yakahwanda musinowo inodzivirira chando kupfuura iyo iri pamhene inorohwa nemhepo inovhuvhuta.

  1. Vashona, 28 Zvita 2018, "sinoo - snow"

Previous Page Next Page






Sneeu AF Schnee ALS አመዳይ AM Nieu AN Snāw ANG Ìbot awo ANN बर्फ ANP ثلج Arabic تلج ARY تلج ARZ

Responsive image

Responsive image